4
Petro naJohani pamberi peDare Guru
Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.
Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”
Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, 10 zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. 11 Ndiye
“ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki,
rakazova musoro wekona.’
12 Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”
13 Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. 14 Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. 15 Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. 16 Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. 17 Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.”
18 Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. 19 Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. 20 Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.”
21 Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. 22 Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana.
Munyengetero waVatendi
23 Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. 24 Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo. 25 Makataura noMweya Mutsvene kubudikidza nomuromo womuranda wenyu, baba vedu Dhavhidhi, muchiti:
“ ‘Ndudzi dzinoitireko hasha
uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
26 Madzimambo enyika azvigadzirira
uye vabati vanoungana pamwe chete
kuzorwa naIshe
uye noMuzodziwa Wake.’
27 Zvirokwazvo Herodhi naPondiasi Pirato vakaungana pamwe chete neveDzimwe Ndudzi uye navanhu veIsraeri muguta rino kuzorangana kurwisa Jesu muranda wenyu mutsvene, iye wamakazodza. 28 Vakaita zvakanga zvatongwa nesimba renyu uye nokuda kwenyu kuti zvichaitika. 29 Zvino, Ishe, tarirai kutyisidzira kwavo mugobatsira varanda venyu kuti vataure shoko renyu nokushinga kukuru. 30 Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.”
31 Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Vatendi vanogovana Pfuma Yavo
32 Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. 33 Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. 34 Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa 35 vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.
36 Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira), 37 akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.