8
Tswanda yemichero yakaibva
Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva. Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”
Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.”
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”
Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwa
uye muchiparadza varombo venyika,
muchiti,
“Kugara kwoMwedzi kuchapfuura riniko
kuti tigotengesa zviyo,
uye kupera kweSabata
kuti tigotengesa gorosi?”
muchitapudza chiero,
muchikwidza mitengo
uye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,
muchitenga varombo nesirivha
uye vanoshayiwa neshangu,
muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.
Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.
“Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi here
uye vose vanogara mairi havangachemi?
Nyika yose ichadira seNairi,
ichabvongodzwa
uye igoderera sorwizi rweIjipiti.
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,
“ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru
uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.
10 Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema,
nokuimba kwose kuti kuve mhere.
Ndichaita kuti mose mupfeke masaga
uye mugoveura misoro yenyu.
Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga,
uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.
 
11 “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,
“andichatumira nzara panyika yose,
kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,
asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.
12 Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa
vachienda kune rimwe gungwa,
uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva,
vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
13 “Pazuva iro,
“mhandara dzakaisvonaka namajaya
akasimba vachaziya nenyota.
14 Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti,
‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti,
‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’
vachawa,
vasingazomukazve.”