9
Kwete nokuda kwokururama kwaIsraeri
Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?” Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.
Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo. Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho. Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu.
Chimhuru cheGoridhe
Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha. PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai. Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura. 10 Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano.
11 Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano. 12 Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.”
13 Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo! 14 Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.”
15 Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu. 16 Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha. 17 Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona.
18 Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake. 19 Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa. 20 Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni. 21 Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo.
22 Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hataavha.
23 Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera. 24 Makagara muchimukira Jehovha kubvira pazuva randakatanga kukuzivai.
25 Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai. 26 Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa kubva kuIjipiti noruoko rune simba. 27 Rangarirai varanda venyu Abhurahama, Isaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo. 28 Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’ 29 Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.”