11
Chingwa pamusoro peMvura
Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji,
nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.
Govera vanomwe, kunyange navaserewo;
nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.
Kana makore azara nemvura
anonayisa mvura panyika.
Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro,
panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.
Ani naani anotarira mhepo haangadyari;
ani naani anotarira makore haangakohwi.
 
Sezvo usingazivi nzira yemhepo,
kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,
saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,
Muiti wezvose.
 
Kusha mbeu dzako mangwanani,
uye madekwana urege kugarira maoko ako,
nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi,
chingava ichi kana icho,
kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.
Rangarira Musiki wako uchiri muduku
Chiedza chakanaka,
uye zvinofadza meso kuona zuva.
Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji,
ngaafadzwe nawo ose.
Asi ngaarangarire mazuva erima,
nokuti achava mazhinji.
Zvose zvichazouya hazvina maturo.
 
Fara zvako jaya, pauduku hwako,
uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako.
Tevera nzira dzomwoyo wako,
nezvose zvingaonekwe nameso ako,
asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi
Mwari achakusvitsa pakutongwa.
10 Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo
wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako,
nokuti uduku nesimba hazvina maturo.