17
Makondo Maviri noMuzambiringa
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari, rikagura davi rokumusoro-soro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, rikandorisima muguta ravatengesi.
“ ‘Rakatora dzimwe mbeu dzenyika yenyu rikadzikavira muvhu rakaorera. Rakadzisima somuti womukonachando parutivi rwemvura zhinji, ikatungira ikava muzambiringa mupfupi unotandira. Matavi awo akadzoka akananga kwariri, asi midzi yawo yakaramba iri pasi pawo. Saka wakabva wava muzambiringa ukabudisa matavi uye ukatungira mashizha pamatavi.
“ ‘Asi kwakanga kune rimwe gondo guru rakanga rina mapapiro ane simba guru uye rizere namambava. Zvino muzambiringa wakatandavadza midzi yawo yakananga kwariri kubva pamunda pawakanga wasimwa ukatambanudza matavi awo kwariri kuti uwane mvura. Wakanga wasimwa pavhu rakaorera pedyo nemvura zhinji kuti ubudise matavi, ubereke michero, ugova muzambiringa unoyevedza.’
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muti uyu uchakura here? Hauchazodzurwi ukadimurirwa muchero wawo kuti uome here? Mashizha awo matsva ose achangobukira achaoma. Hakuzombotsvakwi ruoko rune simba kana vanhu vazhinji kuti udzurwe nemidzi yawo. 10 Kunyange dai ukasimwazve, uchararama here? Haungazoomi chose here kana mhepo yokumabvazuva ikaurova, ukaoma mumunda mawakamera?’ ”
11 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 12 “Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi. 13 Ipapo akatora mumwe weimba youmambo ndokuita chibvumirano naye, akamuisa pasi pemhiko. Akatorawo varume vaitungamirira nyika iyo, 14 kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake. 15 Asi mambo akamupandukira nokutuma nhume dzake kuIjipiti kundotorako mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Ko, iye anoita zvinhu zvakadaro angapunyuka here? Achaputsa chibvumirano akazopunyuka here?
16 “ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye ane chibvumirano chaakaputsa. 17 Faro nehondo yake ine simba neboka rake guru hazvingazombomubatsiri muhondo, kana vakavaka mirwi kana nhare dzokuparadza vanhu vazhinji. 18 Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapunyuki.
19 “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndichauyisa pamusoro pake mhiko yangu yaakazvidza uye nesungano yangu yaakaputsa. 20 Ndichamuteya nomumbure wangu, uye achabatwa nomusungo wangu. Ndichamuuyisa kuBhabhironi ndigomutongerako nokuti akanga asina kutendeka kwandiri. 21 Mauto ake ose anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.
22 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira. 23 Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richabudisa matavi rigobereka muchero rigova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo. 24 Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba uye ndinoita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye ndinoita kuti muti wakaoma ukure.
“ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”