21
Bhabhironi, munondo waMwari wokutonga
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa. Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’
“Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu. Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Munondo, munondo,
wakarodzwa uye wakapukutwa,
10 wakarodzerwa kuuraya,
wakapukutirwa kuti upenye semheni!
“ ‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
11 “ ‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe,
kuti ubatwe noruoko;
wakarodzwa uye wakapukutwa,
wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
12 Chema uungudze, mwanakomana womunhu,
nokuti unorwa navanhu vangu;
unorwa namachinda ose aIsraeri.
Vakakandwa kumunondo,
pamwe chete navanhu vangu.
Naizvozvo uzvirove chipfuva.
13 “ ‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
14 “Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita
uye urovanise maoko ako pamwe chete.
Rega munondo ubaye kaviri,
kunyange katatu.
Ndiwo munondo wokuuraya,
iwo munondo wokuuraya kukuru,
uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.
15 Kuti mwoyo inyungudike
uye vanowa vawande,
munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye.
Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni,
wakabatwa kuti uuraye.
16 Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi,
ugochekawo kuruboshwe,
kwose kunorerekera munondo wako.
17 Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete,
uye hasha dzangu dzichaserera.
Ini Jehovha ndazvitaura.”
18 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti: 19 “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta. 20 Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa. 21 Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa. 22 Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta. 23 Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
24 “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
25 “ ‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira, 26 zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa. 27 Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
28 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo:
“ ‘Munondo, munondo,
wavhomorwa kuti uuraye,
wapukutwa kuti uparadze
uye kuti upenye semheni!
29 Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako,
vakavuka zvenhema pamusoro pako,
zvichaiswa pamitsipa
yavakaipa vachazourayiwa,
vane zuva ravo rasvika,
ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
30 Chidzosera munondo mumuhara wawo.
Panzvimbo yawakasikwa uri,
munyika yamadzitateguru ako,
ndipo pandichakutongera.
31 Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako,
uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako;
ndichakuisa kuvanhu vane utsinye,
vanhu vanoziva kuparadza.
32 Uchava huni dzomoto,
ropa rako richateurwa munyika yako,
hauchazorangarirwazve;
nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’ ”