27
Kuchema pamusoro peTire
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, chema pamusoro peTire. Uti kuTire, riri pasuo rokugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, ‘Zvanzi naIshe Jehovha:
“ ‘Unoti, iwe Tire,
“Ini ndakakwana parunako.”
Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru;
vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.
Vakaita mapuranga ako ose
emiti yemipaini inobva kuSeniri;
vakatora musidhari waibva kuRebhanoni,
kuti vakuitire danda rokutsigira maseiri muchikepe.
Vakaita matanda okukwasva nawo
omuouki aibva kuBhashani;
namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi
vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.
Maseiri ako akanga ari omucheka wakarukwa zvakaisvonaka waibva kuIjipiti,
uye wakashandiswa somureza wako;
zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru,
zvaibva kumahombekombe aErisha.
Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako;
mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.
Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo,
savavaki vechikepe kuti vaname maburi emaseiri ako.
Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo
vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.
 
10 “ ‘Varume vokuPezhia, neRidhia nePuti
vakashanda savarwi muhondo yako.
Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako,
vachikuvigira mbiri.
11 Varume vokuArivhadhi nevokuHereki
vakakomba masvingo ako kumativi ose;
varume vokuGamadhi
vakanga vari mushongwe dzako.
Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako;
vakaita kuti runako rwako rukwane.
12 “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.
13 “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.
14 “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.
15 “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.
16 “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.
17 “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, uchi, mafuta nebharimi nezvigadzirwa zvako.
18 “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.
19 “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.
20 “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.
21 “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, makondobwe nembudzi.
22 “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuhwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.
23 “ ‘Harani, Kane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengeserana newe. 24 Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ane mafundo akasimba.
25 “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda
pakutakura zvigadzirwa zvako.
Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema,
imo mumwoyo megungwa.
26 Vakwasvi vako vanokutora
voenda newe kumakungwa makuru.
Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.
27 Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa,
varayiri navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo,
vashambadziri vako nevarwi vako vose,
uye vose varimo
vachanyura mukati momwoyo wegungwa,
pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.
28 Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka
panodanidzira vafambisi vako vezvikepe.
29 Vose vanobata matanda okukwasva
vachasiya zvikepe zvavo;
vachairi nevafambisi vako vezvikepe
vachamira kumahombekombe.
30 Vachadanidzira namanzwi avo
vagochema zvikuru pamusoro pako;
vachakusha guruva pamisoro yavo
vagoumburuka mumadota.
31 Vachaveura misoro yavo nokuda kwako,
uye vachapfeka nguo dzamasaga.
Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo,
uye nokuchema kukuru.
32 Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako,
vachachema pamusoro pako vachiti,
“Ndianiko akashaya rokureva seTire,
rakakomberedzwa negungwa?”
33 Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa,
wakagutisa ndudzi zhinji,
nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako,
wakapfumisa madzimambo enyika.
34 Zvino wakaputsanyiwa negungwa
mumvura zhinji yakadzika;
nhumbi dzako navanhu vako vose
zvakanyura pamwe chete newe.
35 Vose vanogara mumahombekombe vanoshamiswa newe;
madzimambo avo anodedera nokutya,
uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutyiswa.
36 Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo;
wasvika kumagumo anonyangadza
uye hauchazovapozve.’ ”