46
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa. Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana. Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi. Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondobwe, ose asina kuremara. Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondobwe chinofanira kuita efa* imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondobwe, zvose zvisina kuremara. Anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.
“ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira. 10 Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.
11 “ ‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe. 12 Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.
13 “ ‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro. 14 Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chinokwana chikamu chimwe chete muzvitanhatu cheefa, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi. 15 Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
16 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka. 17 Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo. 18 Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’ ”
19 Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira. 20 Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.”
21 Ipapo akandibudisa kuruvazhe rwokunze uye akanditungamirira tichitenderera makona arwo mana, uye akaona pakona imwe neimwe rumwe ruvazhe. 22 Mukati mamakona mana oruvazhe rwokunze makanga muna mavazhe akakomberedzwa, akareba makubhiti makumi mana noupamhi hwaiva namakubhiti makumi matatu; ruvazhe rumwe norumwe mumakona mana aya rwakanga rwakaenzana. 23 Kupoteredza mukati merimwe nerimwe ramavazhe mana aya makanga mune chidziro chamabwe, nenzvimbo dzechoto dzakavakwa dzakakomberedza pasi pechidziro. 24 Iye akati kwandiri, “Idzi ndidzo dzimba dzokubikira dzichabikirwa zvibayiro zvinoitirwa vanhu navaya vanoshumira mutemberi.”
* 46:5 46:5 marita angaita 22 46:5 46:5 marita angaita 4