31
Bhezareri naOhoriabhu
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha. Pamusoro paizvozvo ndakagadza Ohoriabhi mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, kuti amubatsire.
 
“Uyezve ndapa unyanzvi kumhizha kuti vaite zvinhu zvose zvandakakurayira zvinoti:
 
“Tende Rokusangana,
areka yeChipupuriro ine chifukidzo chokuyananisa pamusoro payo,
nenhumbi dzose dzetende,
tafura nemidziyo yayo,
chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose,
aritari yezvinonhuhwira,
aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo dzose,
mudziyo wokushambira nechigadziko chawo,
10 uyewo nguo yakarukwa,
dzose nguo tsvene dzaAroni muprista uye
nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista,
11 namafuta okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zveNzvimbo Tsvene.
 
“Vanofanira kudzigadzira sezvandakakurayira iwe.”
Sabata
12 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 13 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munofanira kucherechedza Sabata rangu. Ichi ndicho chichava chiratidzo pakati pangu nemi kuzvizvarwa zvinotevera, kuti mugoziva kuti ndini Jehovha, anokuitai vatsvene.
14 “ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. 15 Kwamazuva matanhatu, basa rinofanira kuitwa, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora, idzvene kuna Jehovha. Ani naani anoita basa ripi zvaro nomusi weSabata anofanira kuurayiwa. 16 VaIsraeri vanofanira kucherechedza Sabata, vachiripemberera kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera sesungano isingaperi. 17 Richava chiratidzo pakati pangu navaIsraeri nokusingaperi, nokuti mukati mamazuva matanhatu Jehovha akasika denga nenyika, uye nomusi wechinomwe akarega kushanda uye akazorora.’ ”
18 Jehovha akati apedza kutaura naMozisi paGomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri eChipupuriro, mahwendefa amabwe akanyorwa nomunwe waMwari.