37
Areka
Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu*, kubhiti rimwe nehafu paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza. Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi. Ipapo akaita mapango omuti womuunga uye akaafukidza negoridhe. Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.
Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafu§ paupamhi. Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro. Mapapiro amakerubhi akanga akatambanudzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.
Tafura
10 Vakagadzira tafura namatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri*, uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira. 11 Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza. 12 Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruoko§ ndokuisa hata yegoridhe pamukombero. 13 Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo. 14 Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura. 15 Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuunga uye akanga akafukidzwa negoridhe. 16 Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.
Chigadziko choMwenje
17 Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaripambadzira, chigadziko nerwiriko; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho. 18 Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi. 19 Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakanga zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvakanga zvakaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje. 20 Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakanga yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru. 21 Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete. 22 Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.
23 Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka. 24 Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chete* regoridhe rakaisvonaka.
Aritari yeZvinonhuhwira
25 Vakaita aritari yezvinonhuhwira namatanda omuunga. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chete uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti maviri pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo. 26 Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza. 27 Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura. 28 Vakagadzira mapango omuti womuunga uye vakaafukidza negoridhe.
29 Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuhwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuhwira.
* 37:1 37:1 mamita angaita 1.1 37:1 37:1 0.7 yemita 37:6 37:6 mamita angaita 1.1 § 37:6 37:6 0.7 yemita * 37:10 37:10 0.9 yemita 37:10 37:10 0.5 yemita 37:10 37:10 0.7 yemita § 37:12 37:12 masendimita angaita 8 * 37:24 37:24 makirogiramu angaita 34 37:25 37:25 0.5 yemita 37:25 37:25 0.9 yemita