39
Nguo dzoUprista
Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.
Efodhi
Vakaita efodhi yegoridhe, wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi. Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe. Bhanhire rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.
Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri. Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Chidzitiro cheChipfuva
Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanza* paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri. 10 Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri; 11 mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye neemaradhi; 12 mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisiti; 13 mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe. 14 Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso, chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.
15 Chidzitiro chechipfuva vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo. 16 Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva. 17 Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva, 18 uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi. 19 Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi. 20 Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanhire romuchiuno refodhi. 21 Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanhire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Dzimwe Nguo dzoUprista
22 Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki, 23 rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka. 24 Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi. 25 Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba. 26 Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
27 Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki, 28 uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanhire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa zvakaisvonaka. 29 Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa zvakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
30 Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: mutsvene kuna jehovha. 31 Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.
Mozisi anoongorora Tabhenakeri
32 Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi. 33 Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi:
 
tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;
34 chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;
35 areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;
36 tafura nemidziyo yayo dzose nechingwa choKuratidza;
37 zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;
38 aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuhwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;
39 aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose;
dhishi nechigadziko charo;
40 zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe;
tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe;
midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;
41 uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.
 
42 VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi. 43 Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakanga kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.
* 39:9 39:9 masendimita angaita 23