VAGARATIA
1
Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana kumunhu, asi naJesu Kristu naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa, nehama dzose dzineni, kukereke dziri muGaratia:
 
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.
 
Hakuna rimwe Vhangeri
Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu muchitsaukira kune rimwe vhangeri, risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu. Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!
10 Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.
Pauro akadanwa naMwari
11 Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu. 12 Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.
13 Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza. 14 Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu. 15 Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, paakafadzwa nazvo 16 kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu, 17 uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.
18 Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu. 19 Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe. 20 Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema. 21 Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia. 22 Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu. 23 Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.” 24 Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.