22
Abhurahama anoedzwa
Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!”
Iye akati, “Ndiri pano hangu.”
Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”
Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari. Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure. Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.”
Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri, Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!”
Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?”
Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?”
Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.”
Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. 10 Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake. 11 Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!”
Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.”
12 Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.”
13 Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. 14 Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.”
15 Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri 16 akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, 17 zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo, 18 uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.”
19 Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.
Vanakomana vaNahori
20 Shure kwaizvozvo, Abhurahama akaudzwa kuti, “Mirika ava maiwo; akaberekera mununʼuna wako Nahori vanakomana vanoti:
21 Uzi dangwe, Bhuzi mununʼuna wake,
Kemueri (baba vaAramu),
22 Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidhirafi naBhetueri.”
23 Bhetueri akabereka Rabheka.
Mirika akaberekera Nahori mununʼuna waAbhurahama vanakomana vasere ava.
 
24 Murongo wake ainzi Reuma, naiyewo akava navanakomana vaiti:
Tebha, Gahamu, Tahashi naMaaka.