36
Zvizvarwa zvaEsau
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
 
Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi, uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri, uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho. Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo. Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
 
Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
 
10 Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau:
Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau, Adha, Reueri, mwanakomana waBhasemati, mukadzi waEsau.
11 Vanakomana vaErifazi vaiva:
Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi. 12 Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13 Vanakomana vaReueri vaiva:
Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14 Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau, vaiva:
Jeushi, Jaramu naKora.
 
15 Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau:
Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau, vaiva:
madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi, 16 Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17 Vanakomana vaReueri, mwanakomana waEsau,
vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati, mukadzi waEsau.
18 Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, vaiva:
madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.
19 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
 
20 Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro:
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, 21 Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22 Vanakomana vaRotani vaiva:
Hori naHomami. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23 Vanakomana vaShobhari vaiva:
Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24 Vanakomana vaZibheoni vaiva:
Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25 Vanakomana vaAna vaiva:
Dishoni naOhoribhama, mwanakomana waAna.
26 Vanakomana vaDhishoni vaiva:
Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
27 Vanakomana vaEzeri vaiva:
Bhirihani, Zaavhani naAkani.
28 Vanakomana vaDhishani vaiva:
Uzi naArani.
29 Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori:
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, 30 Dhishoni, Ezeri naDhishani.
Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
Vatongi veEdhomu
31 Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32 Bhera, mwanakomana waBheori, akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33 Bhera akati afa, Jobhabhi, mwanakomana waZera, aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34 Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35 Hushani akati afa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36 Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37 Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38 Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39 Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.
 
40 Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo:
Timina, Arivha, Jeteti,
41 Ohoribhama, Era, Pinoni,
42 Kenazi, Temani, Mibhiza,
43 Magidhieri naIrami.
Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora.
 
Uyu ndiye Esau baba wevaEdhomu.