2
Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda
ndichazviisa panzvimbo yakakwirira;
ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri
uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku.
Mhinduro yaJehovha
Ipapo Jehovha akapindura achiti:
“Nyora chiratidzo ichi,
uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa
kuti anoverenga agoverenga achimhanya.
Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa;
chinotaura nezvamagumo
uye hachingarevi nhema.
Kunyange dai chikanonoka, chimirire;
zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.
 
“Tarira, ana manyawi;
zvido zvake hazvina kururama,
asi akarurama achararama nokutenda kwake.
Zvirokwazvo, waini inomupandukira;
anozvikudza uye haazombozorori.
Nokuti anokara sezvinoita guva
uye sorufu haaguti,
anozviunganidzira ndudzi dzose
uye anotapa marudzi ose avanhu.
Matambudziko aVakaipa
“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti,
“ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa
anozvipfumisa nepfuma yakapambwa!
Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’
Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here?
Havangazomuki vakakuvhundutsai here?
Ipapo ndimi muchava vakapambwa.
Nokuti makapamba ndudzi zhinji,
vakasara vachakupambai,
nokuda kweropa ravanhu ramakateura;
makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo.
 
“Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa,
achivaka dendere rake pakakwirira,
kuti anzvenge kuparadzwa!
10 Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda,
muchinyadzisa imba yenyu,
uye muchiparadza upenyu hwenyu.
11 Mabwe ari murusvingo achadanidzira,
ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira.
 
12 “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa
uye anosimbisa guta nezvakaipa.
13 Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here
kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto,
uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo?
14 Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha,
sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa.
 
15 “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka,
achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa,
kuti aone kushama kwavo.
16 Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa.
Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke!
Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri,
kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu.
17 Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai,
uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai.
Nokuti makateura ropa ravanhu;
makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo!
 
18 “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi?
Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema?
Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira;
anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura.
19 Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’
Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’
Ko, zvingadzidzisa here?
Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha;
hachina mweya mukati macho napaduku.
20 Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene;
nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”