12
Efuremu anodya mhepo;
anodzingana nemhepo yokumabvazuva zuva rose
uye anowedzera nhema pamwe chete nechisimba.
Anoita sungano neAsiria,
uye anoendesa mafuta omuorivhi kuIjipiti.
Jehovha ane mhaka yaanopa Judha;
acharanga Jakobho maererano nenzira dzake
uye achamupa mubayiro maererano namabasa ake.
Muchizvaro akabata chitsitsinho chomukoma wake;
somunhu akaita mutsimba naMwari.
Akaita mutsimba nomutumwa akamukurira;
akachema akakumbira kuti anzwirwe nyasha naye.
Akamuwana paBheteri
akataura naye ipapo,
Jehovha Mwari Wamasimba Ose,
Jehovha ndiro zita rake raane mukurumbira naro!
Asi unofanira kudzokera kuna Mwari wako;
chengetedza rudo nokururamisira,
uye umirire Mwari wako nguva dzose.
Mutengesi anoshandisa chiero chinonyengera;
anofarira kubiridzira.
Efuremu anozvikudza achiti,
“Ndakapfuma kwazvo; ndazova mupfumi chaiye.
Noupfumi hwangu hwose havangawani mandiri
chakaipa chipi zvacho kana chivi mukati mangu.”
 
“Ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva muIjipiti;
ndichakugarisazve mumatende,
sapamazuva emitambo yakatarwa.
10 Ndakataura kuvaprofita,
ndikavapa zviratidzo zvizhinji
uye ndikataura mifananidzo kubudikidza navo.”
 
11 Ko, Gireadhi yakaipa here?
Vanhu vayo havana maturo!
Vanobayira nzombe here paGirigari?
Aritari dzavo dzichava semirwi yamatombo
mumunda wakarimwa.
12 Jakobho akatizira kunyika yeAramu;
Israeri akashandira kuti awane mukadzi,
uye kuti amuwane akafudza makwai.
13 Jehovha akashandisa muprofita
kuti abudise Israeri kubva muIjipiti,
nomuprofita akavachengeta.
14 Asi Efuremu akamutsamwisa zvikuru kusvikira ashatirwa;
Ishe wake achaisa paari mhosva dzake dzokudeura ropa
uye achamupa mubayiro wokuzvidza kwake.