14
Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.
Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!
Endai namashoko
uye mudzokere kuna Jehovha.
Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose
mutigamuchire nenyasha,
kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
Asiria haingatiponesi;
hatingatasvi mabhiza ehondo.
Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’
kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,
nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
“Ndichaporesa kusateerera kwavo
uye ndichangovada hangu,
nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
Ndichava sedova kuna Israeri;
achatunga seruva remahapa.
Somusidhari weRebhanoni
achadzikisa midzi yake;
mabukira ake achakura.
Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,
kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.
Achabudirira sezviyo.
Achatunga maruva somuzambiringa,
uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?
Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.
Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;
kubereka kwako kunobva kwandiri.”
Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.
Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.
Nzira dzaJehovha dzakarurama;
vakarurama vanofamba madziri,
asi vatadzi vanogumburwa madziri.