8
Israeri achakohwa chamupupuri
“Isa hwamanda pamuromo wako!
Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha
nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu
uye vakapandukira murayiro wangu.
VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti,
‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’
Asi Israeri akaramba zvakanaka;
muvengi achamutevera.
Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni;
vanosarudza machinda pasina mvumo yangu.
Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo
kuti vagoparadzwa.
Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria!
Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo.
Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?
Izvi zvinobva kuIsraeri!
Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri,
hachisi Mwari.
Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu,
icho chimhuru cheSamaria.
 
“Vanodyara mhepo
vachikohwa chamupupuri.
Dzinde harina kubereka;
haringabudisi upfu.
Dai raizobereka zviyo,
vatorwa vaizvimedza.
Israeri yamedzwa;
zvino yava pakati pendudzi
sechinhu chisina maturo.
Nokuti vakaenda kuAsiria
sembizi inongombeya yoga.
Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.
10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi,
ndichavaunganidza zvino pamwe chete.
Vachatanga kuperezeka
pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
 
11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi,
idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.
12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu,
asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.
13 Vanopa zvibayiro kwandiri
uye vodya nyama yacho,
asi Jehovha haafadzwi navo.
Zvino acharangarira uipi hwavo
uye acharanga zvivi zvavo:
Vachadzokera kuIjipiti.
14 Israeri akakanganwa Musiki wake
ndokuvaka mizinda;
Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo.
Asi ndichatumira moto pamaguta avo
uchaparadza masvingo avo.”