19
Chiprofita pamusoro peIjipiti
Chirevo pamusoro peIjipiti:
Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya,
uye ari kuuya kuIjipiti.
Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake,
uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo.
 
“Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita,
mununʼuna acharwa nomukoma,
muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye,
guta richarwisana nerimwe guta,
umambo hucharwisana nohumwe umambo.
VaIjipita vachaora mwoyo,
uye ndichaita kuti zvavanoronga zvive pasina;
vachabvunza zvifananidzo nemweya yavakafa,
nokumasvikiro navavuki.
Ndichaisa vaIjipita mumaoko amambo ano utsinye
uye mambo anotyisa achatonga pamusoro pavo,”
ndizvo zvinotaura Ishe,
Jehovha Wamasimba Ose.
 
Mvura yomurwizi ichapwa,
uye mahombekombe erwizi achapwa agova akaoma.
Migero ichanhuhwa;
hova dzeIjipiti dzichaderera uye dzichapwa.
Tsanga nenhokwe zvichauna,
uyewo zvinomera zvichitevedza Nairi,
pamuromo werwizi.
Minda yose yakadyarwa mujinga meNairi ichaoma,
mbesa dzichapeperetswa nemhepo, hazvingazovapozve.
Vabati vehove vachagomera uye vagorira,
vose vanokanda zviredzo muna Nairi;
vaya vanokanda mimbure pamusoro pemvura vacharukutika.
Vanobata neshinda yakanaka vachapera simba,
varuki vemicheka yakanaka vachashaya tariro.
10 Vanobata nemicheka vachaora mwoyo,
uye vose vanobatira mubayiro vacharwadziwa mwoyo.
 
11 Machinda eZoani haasi chinhu asi mapenzi;
makurukota aFaro akachenjera anopa zano risina mano.
Mungareva sei kuna Faro, kuti,
“Ndini mumwe wavakachenjera,
mudzidzi wamadzimambo akare?”
 
12 Zvino vakachenjera venyu varipiko?
Ngavakuratidzei uye vakuzivisei
zvakafungwa naJehovha Wamasimba Ose
pamusoro peIjipiti.
13 Machinda eZoani ava mapenzi,
vatungamiri veMemufisi vanyengerwa;
mabwe ekona amarudzi
avo atsausa Ijipiti.
14 Jehovha akadururira mavari mweya wedzungu;
vanoita kuti Ijipiti idzedzereke mune zvose zvainoita,
sezvinoita chidhakwa
chinodzedzereka mumarutsi acho.
15 Hapana chingaitwa neIjipiti, musoro kana muswe,
davi romuchindwe kana rushanga.
16 Pazuva iro, vaIjipita vachafanana navakadzi. Vachadedera nokutya panosimudzwa ruoko rwaJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo. 17 Uye nyika yeJudha ichava chinhu chinotyisa kuvaIjipita; mumwe nomumwe achanzwa nezvaJudha achatya, nokuda kwezvinofungwa naJehovha Wamasimba Ose pamusoro pavo.
18 Pazuva iro, maguta mashanu omuIjipiti achataura mutauro weKenani uye vachapikira vachazvipira kuna Jehovha Wamasimba Ose. Rimwe racho richanzi Guta roKuparadza.
19 Pazuva iro, pachava nearitari kuna Jehovha mukati chaimo meIjipiti, nembiru kuna Jehovha pamuganhu wayo. 20 Ichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha Wamasimba Ose munyika yeIjipiti. Pavanodanidzira kuna Jehovha nokuda kwavamanikidzi vavo, achavatumira muponesi nomurwiri, ipapo achavanunura. 21 Saka Jehovha achazviratidza kuvaIjipita, uye pazuva iro vachaziva Jehovha. Vachanamata nezvibayiro uye nezvipiriso zvezviyo; vachaita mhiko kuna Jehovha uye vagodzichengeta. 22 Jehovha acharova Ijipiti nehosha; acharova agovarapazve. Vachatendeukira kuna Jehovha, uye achapindura mikumbiro yavo nokuvarapa.
23 Pazuva iro, pachava nenzira huru ichabva kuIjipiti ichienda kuAsiria. VaAsiria vachaenda kuIjipiti uye vaIjipita vachaendawo kuAsiria. VaIjipita navaAsiria vachanamata pamwe chete. 24 Pazuva iro Israeri ichava yechitatu, ichitevera Ijipiti neAsiria, ichava ropafadzo panyika. 25 Jehovha Wamasimba Ose achavaropafadza achiti, “Ngavaropafadzwe vaIjipita vanhu vangu, navaAsiria, basa ramaoko angu, navaIsraeri, nhaka yangu.”