34
Kutongwa kweNdudzi
Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe.
Teererai, imi vanhu!
Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi,
pasi pose, nezvose zvinobudamo!
Jehovha akatsamwira ndudzi dzose;
hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose.
Achavaparadza chose,
achaita kuti vaurayiwe.
Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze,
mitumbi yavo ichanhuhwa;
makomo achanyorova neropa ravo.
Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika,
uye denga richapetwa sorugwaro;
marudzi ose enyeredzi achawa
samashizha akaoma abva pamuzambiringa,
samaonde akasvava abva pamuonde.
Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga;
tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu,
vanhu vandakaparadza chose.
Munondo waJehovha wakanyura muropa,
wakafukidzwa namafuta,
iro ropa ramakwayana nerembudzi,
namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe.
Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira
uye nokuuraya kukuru muEdhomu.
Nyati dzichawa pamwe navo
nehono dzemhuru nehando huru.
Nyika yavo ichanyorova neropa,
uye guruva richazara mafuta.
 
Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva
negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.
Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo,
guruva rayo richapisa sesafuri;
nyika yayo ichava namo inopfuta!
10 Haingadzimwi usiku namasikati;
utsi hwayo huchakwira nokusingaperi.
Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa;
hapana munhu achazopfuura napozve.
11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi;
zizi guru negunguo zvichaita matenderemo.
Mwari achatambanudzira Edhomu
rwodzi rwokuyera,
rwenyonganiso nerwokuparadza.
12 Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo,
machinda ake ose achapera.
13 Minzwa ichatandira nhare dzayo,
utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa.
Ichava ugaro hwamakava,
nomusha wamazizi.
14 Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere,
uye ngururu dzichadaidzirana;
zvikara zvousiku zvichazororapo,
uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.
15 Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo,
richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro;
makondo achaunganapo,
rimwe nerimwe neshamwari yaro.
16 Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava:
Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa,
kana chichashaya shamwari.
Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo,
uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.
17 Anozvigovera migove yazvo;
ruoko rwake runozvigovera nechiyero.
Zvichava zvazvo nokusingaperi
uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.