37
Kusunungurwa kweJerusarema kunoprofitwa
Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina. Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko omukuru wehondo, akatumwa naishe wake, mambo weAsiria, kuzomhura Mwari mupenyu, uye kuti azomutuka pamusoro pamashoko aakanzwa iye Jehovha Mwari wenyu. Naizvozvo nyengetererai vakasara vari vapenyu.”
Vabati vaHezekia vakati vasvika kuna Isaya, Isaya akati kwavari, “Udzai ishe wenyu kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Usatya hako zvawakanzwa, mashoko andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. Teererai! Ndichaisa mweya maari wokuti akangonzwa rimwe guhu, achadzokera kunyika yake, uye ikoko, ndichaita kuti aurayiwe nomunondo.’ ”
Mukuru wehondo akati anzwa kuti mambo weAsiria akanga abva kuBhakishi, akadzoka akawana mambo achirwa neRibhina.
Zvino Senakeribhi akagamuchira mashoko okuti Tirihaka, muEtiopia mambo weIjipiti, akanga achiuya kuzorwa naye. Akati anzwa izvozvo, akatuma nhume kuna mambo Hezekia neshoko iri rokuti: 10 “Udzai Hezekia mambo weJudha muti: Mwari waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti, ‘Jerusarema harizoiswa muruoko rwamambo weAsiria.’ 11 Zvirokwazvo wakanzwa zvakaitwa namadzimambo eAsiria kunyika dzose vachidziparadza chose. Zvino iwe ucharwirwa here? 12 Ko, vamwari vamamwe marudzi akaparadzwa namadzibaba angu vakavarwira here, vamwari veGezani, neHarani neRezefi navanhu vokuEdheni vakanga vari kuTeri Asari? 13 Mambo weHamati aripiko, namambo weArifadhi namambo weguta reSefarivhaimi, kana Hena kana Ivha?”
Munyengetero waHezekia
14 Hezekia akagamuchira tsamba kubva mumaoko enhume, akaiverenga. Ipapo akakwidza kutemberi yaJehovha akaitambanudza pamberi paJehovha. 15 Uye Hezekia akanyengetera kuna Jehovha achiti, 16 “Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, mugere pakati pamakerubhimi, imi moga ndimi Mwari aripo pamusoro poumambo hwose hwenyika. Makasika denga nepasi. 17 Rerekai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; zarurai meso enyu, Jehovha muone; teererai mashoko ose aSenakeribhi aakatuma kuzozvidza nawo Mwari mupenyu.
18 “Ichokwadi, Jehovha, kuti madzimambo eAsiria akaparadza chose ndudzi idzi dzose nenyika dzadzo. 19 Vakakanda vamwari vavo mumoto vakavaparadza, nokuti vakanga vasiri vamwari asi matanda chete namatombo akaitwa namaoko avanhu. 20 Zvino, Jehovha Mwari wedu, tidzikinurei kubva muruoko rwake, kuitira kuti madzimambo ose enyika azive kuti imi moga, Jehovha, ndimi Mwari.”
Kuwa kwaSenakeribhi
21 Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekia achiti, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Nokuda kwokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSenakeribhi mambo weAsiria, 22 heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake:
“Mhandara Mwanasikana weZioni
anokuzvidza uye anokuseka.
Mwanasikana weJerusarema
anokudzungudzira musoro wake paunenge uchitiza.
23 Ndianiko wawatuka uye ukamhura?
Ndianiko wawasimudzira inzwi rako,
uye ukasimudzira meso ako uchizvikudza?
Ndiye Mutsvene waIsraeri!
24 Navaranda vako watutira
kutuka pamusoro paIshe.
Uye wakati,
‘Nengoro dzangu zhinji
ndakakwira makomo marefu,
kumusoro-soro kweRebhanoni.
Ndakatema misidhari yayo mirefu refu,
nemisipuresi yayo yakanakisisa.
Ndakasvika kumusoro-soro kwayo,
nokumasango ayo akanakisisa.
25 Ndakachera matsime munyika yavamwe,
ndikanwa mvura imomo.
Netsoka dzangu
ndakapwisa hova dzose dzeIjipiti.’
 
26 “Hauna kunzwa here?
Izvi ndakazviita kare.
Ndakazvironga pamazuva akare;
zvino ndaita kuti zviitike,
nokuti wakaparadza maguta akakomberedzwa
akava mirwi yamatombo.
27 Vanhu vawo, vapererwa nesimba,
vavhundutswa uye vanyadziswa.
Vafanana nembeu mumunda,
namabukira manyoro,
sebundo ramera padenga remba,
ratsva risati rakura.
 
28 “Asi ndinoziva paunogara
uye nguva yaunouya neyaunoenda
uye kuti unondiitira hasha zvakadii.
29 Nokuda kwehasha dzako kwandiri
uye nokuda kwokuti kusateerera kwako kwasvika munzeve dzangu,
ndichaisa chiredzo changu mumhuno dzako
namatomu angu mumuromo mako,
uye ndichaita kuti udzokere
nenzira yawakauya nayo.
30 “Ichi ndicho chichava chiratidzo kuvarwi, iwe Hezekia:
“Gore rino muchadya zvinomera zvoga,
uye mugore rinotevera muchadya mabukira azvo.
Asi mugore rechitatu mudyare mugokohwa,
mudyare minda yemizambiringa mugodya michero yayo.
31 Zvakare, vakasara veimba yaJudha vachava nemidzi pasi
uye vachabereka michero kumusoro.
32 Nokuti muJerusarema muchabuda vachasara,
uye muZioni muchabuda boka ravachapunyuka.
Kushingaira kwaJehovha
kuchazviita.
33 “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria,
“Haazopindi muguta iri
kana kupfura museve pano.
Haazosviki mberi kwaro nenhoo
kana kuvaka gomo revhu pariri.
34 Achadzokera nenzira yaakauya nayo;
haazopindi muguta rino,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
35 “Ndichadzivirira guta rino uye ndichariponesa,
nokuda kwangu uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu!”
36 Ipapo mutumwa waJehovha akabuda akauraya varume zviuru zana namakumi masere nezvishanu pamusasa wavaAsiria. Vanhu vakati vachimuka mangwanani, onei mitumbi yavakafa! 37 Naizvozvo Senakeribhi mambo weAsiria akaputsa musasa. Akadzokera kuNinevhe akandogara ikoko.
38 Mumwe musi achinamata ari mutemberi yamwari wake Nisiroki, Adhiramereki naSharezeri, vanakomana vake vakamuuraya nomunondo, ndokutizira kunyika yeArarati. Mwanakomana waEsarihadhoni akamutevera paushe.