47
Kuwa kweBhabhironi
“Buruka, ugare muguruva,
iwe Mhandara yeBhabhironi;
gara pasi usina chigaro choushe,
iwe Mhandara yavaBhabhironi.
Hauchazonzi uri munyoro
kana munhu akapfava.
Tora makuyo ukuye upfu;
bvisa vhoiri rako.
Fukura nguo dzako,
makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.
Kushama kwako kuchava pachena,
uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa.
Ndichatsiva;
handizosiyi munhu.”
 
Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake;
ndiye Mutsvene waIsraeri.
 
Gara unyerere, enda murima,
Mhandara yavaBhabhironi;
hauchazonzi mambokadzi wenyika
dzakasiyana-siyana.
Ndakatsamwira vanhu vangu
ndikasvibisa nhaka yangu;
ndakavapa muruoko rwako,
iwe ukasavanzwira ngoni.
Kunyange vakakwegura
wakavatakudza joko rinorema kwazvo.
Wakati, “Ndicharamba
ndiri mambokadzi nokusingaperi!”
Asi hauna kufunga zvinhu izvi,
kana kucherechedza zvaizogona kuitika.
 
Naizvozvo zvino, chinzwa,
iwe chisikwa chisingagutsikani,
ugere zvakachengetedzeka, uchiti,
mumwoyo mako, “Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu.
Handizovi chirikadzi,
uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.”
Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki,
pazuva rimwe chete zvinoti:
kufirwa navana nouchirikadzi.
Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere,
kunyange uine unʼanga hwako huzhinji,
nouroyi hwako hwakawanda.
10 Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati,
“Hapana anondiona.”
Uchenjeri hwako nezivo yako
zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako,
“Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.”
11 Dambudziko richakuwira,
uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei.
Njodzi ichakuwira yausingagoni
kubvisa nomuripo;
pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva,
kuchawira pamusoro pako.
 
12 “Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako,
uye nounʼanga hwako huzhinji,
hwawakashandira kubva paudiki hwako.
Zvichida uchabudirira,
zvichida uchavhundutsira vamwe.
13 Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete!
Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi,
avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi,
ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.
14 Zvirokwazvo vakafanana namashanga;
moto uchaapisa akapera.
Havangatongogoni kuzvirwira,
pasimba romurazvo womoto.
Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe;
hapana moto wokudziya ipapo.
15 Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira,
ava vawakashanda navo,
uye ukafamba navo kubva paudiki hwako.
Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake;
hapana kana mumwe angakuponesa.