56
Ruponeso rwaVamwe
Zvanzi naJehovha:
“Chengetedzai kururamisira
mugoita zvakanaka,
nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo,
uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.
Akaropafadzwa munhu anoita izvi,
munhu anozvibatisisa,
anochengeta Sabata asingarisvibisi,
uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
 
Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti,
“Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.”
Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti,
“Ndinongova zvangu muti wakaoma.”
Nokuti zvanzi naJehovha:
“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu,
vanosarudza zvinondifadza,
uye vanobatirira pasungano yangu,
kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo,
chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana;
ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.
Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha
kuti vamushumire,
kuti vade zita raJehovha,
uye vamunamate,
vose vanochengeta Sabata
vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,
ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene
ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera.
Zvipiriso zvavo zvinopiswa
nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu;
nokuti imba yangu ichanzi
imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
Ishe Jehovha anoti,
iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri,
“Ndichaunganidzazve vamwe kwavari,
tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”
Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa
Uyai, imi mose zvikara zvesango,
uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!
10 Nharirire dzeIsraeri mapofu,
vose vanoshayiwa zivo;
vose imbwa dzisingahukuri,
hadzigoni kuhukura;
dzinovata pose pose dzichingorota,
dzinofarira kuvata.
11 Imbwa dzinokara zvikuru;
dzisingamboguti.
Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa:
vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo,
mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.
12 Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini!
Regai tinwe tigute nedoro!
Uye mangwana achafanana nanhasi,
kana kutopfuura.”