9
Isu tazvarirwa Mwana
Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.
Vanhu vaifamba murima
vakaona chiedza chikuru;
avo vaigara munyika yomumvuri worufu,
chiedza chakavavhenekera.
Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo;
vanofara pamberi penyu
savanhu vanofara
panguva yokukohwa,
sokufara kwavarume,
kana vachigoverana zvakapambwa.
Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia,
vamakaparadzira
joko raivaremera,
nedanda raichinjika mafudzi avo,
iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.
Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo,
nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa,
zvichapiswa,
zvichava huni dzomoto.
Nokuti takazvarirwa mwana,
takapiwa mwanakomana,
uye umambo huchava pamapfudzi ake.
Uye achanzi Gota Rinoshamisa,
Mwari Ane Simba,
Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake
hazvizovi namagumo.
Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi
napamusoro poumambo hwake,
achihusimbisa nokuhutsigira,
nokururamisira uye nokururama,
kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi.
Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose
kuchazviita.
Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri
Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho;
richawira pamusoro paIsraeri.
Vanhu vose vachariziva,
Efuremu navagari vomuSamaria,
ivo vanoti nokuzvikudza kwavo
uye namanyawi emwoyo,
10 “Zvidhinha zvakoromokera pasi,
asi tichavakazve namatombo;
mionde yatemerwa pasi,
asi tichaitsiva nemisidhari.”
11 Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi
akakurudzira vavengi vavo.
12 VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva
nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama.
 
Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,
asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
 
13 Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova,
kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.
14 Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe,
zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;
15 vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro,
vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.
16 Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa,
navose vanotungamirirwa vanotsauswa.
17 Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya,
kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi,
nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa,
muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi.
 
Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,
ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
 
18 Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto;
unopisa rukato neminzwa,
unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira
kudenga mushongwe youtsi.
19 Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose
nyika ichapiswa kwazvo
uye vanhu vachava huni dzomoto;
hapana achaponesa hama yake.
20 Kurudyi vachadya
asi vacharamba vane nzara;
kuruboshwe,
vachadya asi havangaguti.
Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.
21 Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase;
pamwe chete vachamukira Judha.
 
Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,
ruoko rwake ruchakangosimudzwa.