26
Jobho
Ipapo Jobho akapindura akati:
“Ndiweka wakabatsira vasina simba!
Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri!
Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!
Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya?
Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?
 
“Vakafa vari pakushungurudzika kukuru,
ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.
Sheori yakashama pamberi paMwari;
kuparadza hakuna kufukidzwa.
Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu;
anorembedza nyika pasina chinhu.
Anoputira mvura zhinji mumakore ake;
asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
Anofukidza chiso chomwedzi uzere,
achiwarira makore ake pamusoro pawo.
10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,
kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
11 Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka,
dzichivhundutswa nokutuka kwake.
12 Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake;
akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake;
ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake;
haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake!
Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”