29
Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:
“Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari,
mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
 
“Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo;
10 manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.
11 Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
12 nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
13 Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa.
17 Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.
 
18 “Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.
19 Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.
20 Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’
 
21 “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.
22 Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.
23 Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.
24 Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.
25 Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.