31
“Ndakaita sungano nameso angu
kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko,
iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa,
nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
Ko, iye haaoni nzira dzangu
uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?
 
“Kana ndakafamba nenzira yenhema
kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,
Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka
uye achaziva kuti handina mhosva,
kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara,
kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu,
kana kuti maoko angu akasvibiswa,
ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara,
uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
 
“Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi,
kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,
10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume,
uye vamwe varume ngavavate naye.
11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa,
chivi chinofanira kutongwa.
12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa;
ungadai wakadzura mukohwo wangu.
 
13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu,
pavane mhaka neni,
14 ndichaita sei pandichasangana naMwari?
Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here?
Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?
 
16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo
kana kurega meso echirikadzi achineta,
17 kana ndakazvidyira chingwa changu,
ndisingachigoverani nenherera,
18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa,
uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka,
kana munhu anoshayiwa asina nguo,
20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza
nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,
21 kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu
ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
22 ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu,
ruwire pasi napafundo.
23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari,
uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
 
24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe,
kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru,
mukomborero wakabva mumaoko angu,
26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro,
kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda,
uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa,
nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
 
29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu,
kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
30 handina kutendera muromo wangu kutadza,
nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,
31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti,
‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha,
nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu,
nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji,
uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri,
zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
 
35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa!
Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino,
Wamasimba Ose ngaandipindure;
mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
36 Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu,
ndairupfeka sekorona.
37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe;
ndaiswedera kwaari somuchinda.
 
38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva,
uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi,
kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,
40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi,
nesora pachinzvimbo chebhari.”
Mashoko aJobho apera.