39
“Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here?
Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?
Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here?
Unoziva nguva yadzinobereka here?
Dzinotsivama pasi dzigobereka vana vadzo;
kurwadziwa kwadzo kwapera.
Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango;
vanoenda uye havadzokizve.
 
“Ndianiko akaregedza mbizi ichienda?
Ndianiko akasunungura tambo dzayo?
Ndakaipa renje kuti uve musha wayo,
nyika yomunyu sougaro hwayo.
Inoseka bope riri muguta;
hainzwi kudaidzira kwomuchairi.
Inoita zvikomo mafuro ayo
uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zvakapfumvudza.
 
“Ko, nyati ingabvuma kukushandira here?
Ko, ingagara mudanga rako usiku here?
10 Ko, ungagona kuifambisa mumiforo namahanisi here?
Ko, ingarima mipata mushure mako here?
11 Ungavimba nesimba rayo guru here?
Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?
12 Ungavimba nayo kuti ikutakurire zviyo zvako
uye igozviunza paburiro rako here?
 
13 “Mapapiro emhou anopapama nomufaro mukuru,
asi haangaenzaniswi namapapiro uye neminhenga yedambiramurove.
14 Zvirokwazvo inokandira mazai ayo muvhu
igoarega achidziyirwa mujecha,
15 isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya,
kana kuti mhuka dzesango dzingaatsika.
16 Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo;
haina hanya kuti yakatambudzika pasina,
17 nokuti Mwari haana kuisa njere mairi
kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.
18 Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye,
inoseka bhiza nomutasvi waro.
 
19 “Iwe unopa bhiza simba raro
kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?
20 Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu,
richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?
21 Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro,
rigobuda richienda kundorwa.
22 Rinoseka kutya, harina charinotya;
haritizi munondo.
23 Goba remiseve rinorira parutivi paro,
pamwe chete nepfumo nebakatwa zvinovaima.
24 Neshungu rinodya ivhu;
harigoni kumira rakadzikama
kana richinzwa kurira kwehwamanda.
25 Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’
Rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure,
kudanidzira kwavakuru vehondo nemheremhere yehondo.
 
26 “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here
parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?
27 Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here
richindovaka dendere raro pakakwirira?
28 Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku;
shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.
29 Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro;
meso aro anozviona zvichiri kure.
30 Vana varo vanodya ropa,
uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”