41
“Ungagona kukweva ngwena nechiredzo,
kana kusunga rurimi rwayo netambo here?
Ungagona kupinza mukaro mumhino dzayo,
kana kuboora rushaya rwayo nechiredzo here?
Ko, ingaramba ichikumbira kunzwirwa ngoni newe here?
Ko, ingataura kwauri mashoko manyoro here?
Ko, ingaita chitenderano newe here
kuti iwe uitore senhapwa kwoupenyu hwayo hwose?
Ungagona kuipfuwa seshiri here
kana kuisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo?
Ko, vatengesi vangaitsinhanisa here?
Ko, vangaigoverana pakati pavashambadziri here?
Ungagona kuzadza dehwe rayo nemiseve ine nzeve here,
kana kuzadza musoro wayo namapfumo okuredzesa hove?
Kana ukaisa ruoko rwako pairi
uchazorangarira kurwisana kwako nayo
uye haungazozvipamhizve!
Tariro ipi zvayo yokuitonga ndeyenhema;
kungoiona bedzi kunopedza simba.
10 Hakuna munhu anotyisa zvokuti angaidenha.
Ndianiko zvino anogona kumisidzana neni?
11 Ndianiko wandakatorera chinhu wandinofanira kuripira?
Zvinhu zvose zviri pasi pedenga ndezvangu.
 
12 “Handingakonewi kutaura zvemitezo yayo,
simba rayo uye chimiro chayo chakanaka.
13 Ndianiko angabvisa dehwe rayo?
Ndianiko angasvika kwairi namatomu?
14 Ndianiko anotsunga kuzarura mikova yomuromo wayo,
iwo wakakomberedzwa nameno ayo anotyisa?
15 Musana wayo une mitsara yamakwande
yakanyatsonamirwa pamwe chete;
16 rimwe nerimwe riri pedyo pedyo nerimwe,
zvokuti hakuna mhepo inopinda napakati.
17 Akanyatsobatanidzwa pane rimwe nerimwe;
akanamatirana pamwe chete uye haagoni kuparadzaniswa.
18 Kuhotsira kwayo kunoita mamvari omoto;
meso ayo akaita sehwerazuva hwamambakwedza.
19 Mazhenje omoto anoyerera achibva mumuromo mayo;
zvimvari zvomoto zvinobarikira kunze.
20 Utsi hunobuda mumhino dzayo
sepahari inovira pamusoro pomoto wetsanga.
21 Kufema kwayo kunopfutidza mazimbe omoto,
uye murazvo unobuda mumuromo mayo.
22 Simba rinogara pamutsipa wayo;
kuvhundutsa kuri pamberi payo.
23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatanidzwa zvakasimba;
dzakasimba uye hadzizungunuswi.
24 Chipfuva chayo chakaoma sebwe,
chakaoma sapasi peguyo.
25 Painosimuka, vane simba vanovhundutswa,
vanodududzira shure isati yarova mvura.
26 Munondo unosvika kwairi hauna simba,
uye pfumo kana museve kana pfumo guru hazvina simba.
27 Simbi inoita seshanga kwairi,
uye ndarira sedanda rakaora.
28 Miseve haingaiti kuti itize;
zvimviriri zvakaita sehundi kwairi.
29 Tsvimbo inoita kunge chidimbu cheshanga kwairi;
inoseka panorira bakatwa.
30 Pasi payo pakaita sezvaenga zvehari,
inosiya muhwezva mumatope sechirei chinokwevewa.
31 Inoita kuti mvura yakadzika ivire segate rinovhaira,
uye inokurunga gungwa sehari yamafuta.
32 Shure kwayo inosiya muhwezva unopenya;
mumwe munhu angafunga kuti mvura yakadzika yava nevhudzijena.
33 Hapana chakaenzana nayo munyika,
chisikwa chisingatyi.
34 Inotarisira pasi zvose zvinozvikudza;
ndiyo mambo pamusoro pezvose zvinozvikudza.”