2
Israeri inosiya Mwari
Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti:
“ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako,
kuti somwenga waindida sei
uye uchinditevera nomukati merenje,
uye nomunyika isina munhu anogaramo.
Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha,
ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake;
vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva,
uye njodzi yakavawira,’ ”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho,
nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri.
Zvanzi naJehovha:
“Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri,
zvavakaenda kure neni?
Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo
ivo vakava vasina maturo pachavo.
Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko,
iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti,
nomunyika yamarenje namakoronga,
iyo nyika yakaoma uye yerima,
nyika isina munhu anofambamo
uye isina munhu anogaramo?’
Ndakakupinzai munyika yakaorera
kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo.
Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu,
mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.
Vaprista havana kubvunza kuti,
‘Jehovha aripiko?’
Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva;
vatungamiri vakandimukira.
Vaprofita vakaprofita naBhaari,
vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.
 
“Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.
10 Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone,
tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza;
muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:
11 Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here?
Uye havasi vamwari zvachose.
Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo
nezvifananidzo zvisina maturo.
12 Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi,
uye mudedere nokutya kukuru,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
13 “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri:
Vakandisiya ini,
tsime remvura mhenyu,
vakazvicherera zvirongo
zvisingachengeti mvura.
14 Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa?
Nemhaka yeiko apambwa zvino?
15 Shumba dzakaomba;
dzikanguruma kwaari.
Dzakaparadza nyika yake;
maguta ake akapiswa uye haachina vanhu.
16 Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi
vakaveura musoro wako.
17 Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here
pawakasiya Jehovha Mwari
wako paakanga achikutungamirira munzira?
18 Zvino, unoendereiko kuIjipiti
kundonwa mvura inobva muShihori?
Uye unodireiko kuenda kuAsiria
kundonwa mvura inobva murwizi?
19 Zvakaipa zvako zvichakuranga;
kudzokera shure kwako kuchakutuka.
Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei
uye zvinovava sei kwauri,
ukange wasiya Jehovha Mwari wako,
uye usingandityi,”
ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
 
20 “Wakavhuna joko rako kare kare
uye wakadambura makashu ako;
ukati, ‘Handidi kukushumirai!’
Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga,
uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira,
wakarara pasi pawo sechifeve.
21 Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa,
uri mbeu kwayo inovimbika.
Ko, zvino wakazondishandukira
sei ukava muzambiringa webundo wakaora?
22 Kunyange ukazvishambidza nesoda
uchishandisa sipo yakawanda,
gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,”
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
23 “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa;
handina kutevera Bhaari’?
Tarisa zvawakaita mumupata;
funga zvawakaita.
Iwe uri ngamera yehadzi
inomhanya apa nepapo,
24 uri mbizi yakarovedzwa mugwenga,
inofembedza mhepo mukushuva kwayo;
ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo?
Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa;
panguva yokusangana uchaiwana.
25 Usamhanya kusvikira tsoka dzako
dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota.
Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri!
Ndinoda vamwari vokumwe,
uye ndinofanira kuvatevera.’
 
26 “Sokunyadziswa kwembavha yabatwa,
saizvozvo imba yaIsraeri yanyadziswa,
ivo namadzimambo avo uye namachinda avo,
vaprista vavo navaprofita vavo.
27 Vanoti kudanda, ‘Ndiwe baba vangu,’
uye kuibwe, ‘Ndiwe wakandibereka.’
Vakandifuratira ini
asi zviso zvavo hazvina,
nyamba pavanenge vava munhamo, vanoti kwandiri,
‘Uyai mutiponese!’
28 Ko, zvino vamwari vamakazviitira varipi?
Ngavauye kana vachigona kukuponesai
pamunenge mava munhamo!
Nokuti muna vamwari vakawanda
kupfuura maguta amunawo, imi Judha.
 
29 “Seiko muchindipa mhosva?
Imi mose makandimukira,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
30 “Ndakaranga vana venyu pasina;
havana kuteerera kurangwa.
Munondo wenyu wakamedza vaprofita,
kufanana neshumba inoparadza.
 
31 “Haiwa, imi vechizvarwa ichi, rangarirai Shoko raJehovha rinoti:
 
“Ndanga ndiri renje kuna Israeri
here kana nyika yerima guru?
Ko, vanhu vangu vanotaurireiko vachiti,
‘Takasununguka kuenda kwatada; hatichazouyizve kwamuri?’
32 Ko, murandakadzi angakanganwa zvishongo zvake here,
nomwenga angakanganwa nguo dzake dzomuchato here?
Asi vanhu vangu vakandikanganwa ini,
mazuva asingaverengeki.
33 Mune ruzivo rwakadii pakutevera rudo!
Kunyange vakadzi vakaipisisa vangadzidza kubva panzira dzenyu.
34 Panguo dzako vanhu vanowanapo
ropa ravarombo vasina mhaka,
kunyange usina kuvabata vachipaza.
Asi kunyange zvakadaro
35 unoti, ‘Handina mhosva;
uye haana kunditsamwira.’
Asi ndichatema mutongo wangu
pauri nokuti unoti, ‘Handina kutadza.’
36 Ko, unofambireiko pose pose zvakadai,
uchishandura nzira dzako?
Iwe uchagumburwa neIjipiti,
sezvawakaitwa neAsiria.
37 Uchabvawo panzvimbo iyoyo
wakaisa maoko ako pamusoro pako,
nokuti Jehovha akaramba vose vaunovimba navo;
iwe hauchazobatsirwi navo.