33
Chivimbiso choKudzoredzanisa
Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti, “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo, mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka. Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga. Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira. Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’
10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve 11 manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti,
“ ‘ “Vongai Jehovha Wamasimba Ose,
nokuti Jehovha akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.”
Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
12 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo. 13 Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
14 “ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.
15 “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo
ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi;
iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.
16 Mumazuva iwayo Judha achaponeswa,
uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka.
Iri ndiro zita rarichatumidzwa:
Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’
17 Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri, 18 Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’ ”
19 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti: 20 “Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa, 21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe. 22 Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ”
23 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, 24 “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi. 25 Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi, 26 ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ”