47
Chirevo pamusoro pavaFiristia
Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:
Zvanzi naJehovha:
“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;
ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.
Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,
maguta navose vanogaramo.
Vanhu vachachema;
vose vanogara munyika vachaungudza
pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,
kutinhira kwengoro dzavavengi,
nokurira kwemavhiri adzo.
Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;
maoko avo acharembera seakaremara.
Nokuti zuva rasvika
rokuparadza vaFiristia vose,
uye nokuuraya vose vakasara
vaigona kubatsira Tire neSidhoni.
Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,
vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.
Gaza richaveura musoro waro mukuchema;
Ashikeroni richati mwiro.
Haiwa, imi vakasara vari pabani,
muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?
 
“Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,
uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?
Dzokera mumuhara wako;
mira, unyarare.’
Asi ungazorora sei,
Jehovha akaurayira,
sezvo akaurayira
kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”