49
Chirevo pamusoro paAmoni
Pamusoro paAmoni:
Zvanzi naJehovha:
“Ko, Israeri haana mwanakomana here?
Haana vadyi venhaka here?
Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi?
Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?
Asi mazuva anouya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“andicharidza mhere yehondo
pamusoro peRabha ravaAmoni;
richaitwa murwi wamatongo,
uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto.
Ipapo Israeri achadzinga
vaya vakanga vamudzinga,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa!
Ridzai mhere, imi vanogara muRabha!
Pfekai masaga mucheme,
mhanyai pano nekoko pakati porusvingo,
nokuti Moreki achaenda kuutapwa,
pamwe chete navaprista vake namachinda ake.
Unozvikudzireiko nemipata yako,
kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo?
Haiwa mwanasikana wokusatendeka,
unovimba nepfuma yako uchiti,
‘Ndiani acharwa neni?’
Ndichauyisa kutya pamusoro pako
kunobva kuna avo vakakupoteredza,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure,
uye hakuna achaunganidza vatizi.
 
“Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Chirevo pamusoro peEdhomu
Pamusoro peEdhomu:
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here?
Mano atsakatika here kuna vakangwara?
Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?
Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika,
imi munogara muDhedhani,
nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau,
panguva yandinomuranga.
Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri,
havangasiyi mazambiringa mashoma here?
Kana mbavha dzikasvika usiku,
havangabi zvavanoda chete here?
10 Asi ndichafukura Esau;
ndichazarura nzvimbo dzake dzokuvanda,
kuitira kuti akundikane kuzvivanza.
Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa,
uye iye haachazovapozve.
11 Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo.
Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”
12 Zvanzi naJehovha: “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho. 13 Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”
14 Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti:
Nhume yakatumwa kundudzi kunoti,
“Unganai kuti murwe naro!
Simukai murwe!”
 
15 “Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi,
anozvidzwa pakati pavanhu.
16 Kutyisa kwaunoita,
nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera,
iwe unogara mumikaha yematombo,
ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo.
Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo,
ndichakukoromora kubva ipapo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
17 “Edhomu richava chinhu chinotyisa,
vose vachapfuura napo vachashamiswa,
uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.
18 Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora,
pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“saka hakuna munhu achazogarako;
hakuna munhu achagara mariri.
 
19 “Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani
ichienda kumafuro akapfuma,
ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo.
Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi?
Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni?
Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”
20 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu,
zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani:
Achakwekweredza vaduku vemapoka;
achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.
21 Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo;
kuchema kwavo kuchanzwikwawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.
22 Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba,
rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira.
Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu
ichafanana nomwoyo womukadzi orwadziwa.
Chirevo pamusoro peDhamasiko
23 Pamusoro peDhamasiko:
“Hamati neAripadhi avhundutswa,
nokuti agamuchira mashoko akaipa.
Aora mwoyo,
atambudzika segungwa risina zororo.
24 Dhamasiko harichina simba,
rakatendeuka kuti ritize,
kuvhunduka kukaribata;
kugomera nokurwadziwa zvakaribata,
kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
25 Guta remukurumbira harina kusiyiwa seiko,
iro guta randinofarira?
26 Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa;
varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
27 “Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko;
uchaparadza nhare dzose dzaBheni-Hadhadhi.”
Chirevo pamusoro peKedhari neHazori
28 Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi:
Zvanzi naJehovha:
“Simukai, murwise Kedhari
uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.
29 Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa;
matumba avo achatorwa achiendwa nawo,
nemidziyo yavo yose nengamera.
Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti,
‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’
 
30 “Tizirai kure nokukurumidza!
Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu;
aronga zano pamusoro penyu.
 
31 “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo,
rugere zvarwo rusina hanya,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“irwo rudzi rusina masuo kana mazariro;
vanhu varwo vanogara voga zvavo.
32 Ngamera dzavo dzichapambwa,
uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa.
Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure,
uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 “Hazori richava ugaro hwamakava,
dongo nokusingaperi.
Hapana achagarako;
hakuna munhu achagara mariri.”
Chirevo pamusoro peEramu
34 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:
35 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:
“Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu,
iwo musimboti wesimba ravo.
36 Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina,
kubva kumativi mana ematenga;
ndichavaparadzira kumhepo ina
uye hakungavi norudzi rumwe
kusingaendwi navavakidzani veEramu.
37 Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo,
pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya;
ndichauyisa njodzi pamusoro pavo,
iko kutsamwa kwangu kunotyisa,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichavatevera nomunondo
kusvikira ndavapedza.
38 Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu
uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
39 “Asi ndichadzosa nhaka yeEramu
mumazuva okupedzisira,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.