8
“ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo. Achava pamhene agorohwa nezuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika. Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose vorudzi urwu rwakaipa, vachademba rufu pachinzvimbo choupenyu, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’
Chivi noKurangwa
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha:
“ ‘Vanhu pavanowira pasi, havamukizve here?
Munhu akange ambotsauka, haadzokizve here?
Zvino nemhaka yei ava vadzokera shure?
Nemhaka yei Jerusarema richingogara richitsauka?
Vanobatirira pakunyengera,
vanoramba kudzoka.
Ndakanyatsoteereresa,
asi ivo havambotauri zvakarurama.
Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti,
“Ndaiteiko?”
Mumwe nomumwe anongotevedza nzira yake
sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
Kunyange shohori riri mudenga
rinoziva nguva dzaro dzakatarwa,
uye njiva, nenyenganyenga nekondo
zvinocherechedza nguva yazvo yokutama.
Asi vanhu vangu havazivi
zvinodikanwa naJehovha.
 
“ ‘Munoreva seiko muchiti, “Takachenjera,
nokuti tino murayiro waJehovha,”
asi zvirokwazvo chinyoreso chenhema chavanyori
chakanyora nhema?
Vakachenjera vachanyadziswa,
vachavhunduka uye vachabatwa.
Sezvo vakaramba shoko raJehovha,
kuchenjera kwavanako kwakadiniko?
10 Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume,
neminda yavo kuvaridzi vatsva.
Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose
vanokarira pfuma;
vaprofita navaprista saizvozvo,
vose vanoita nokunyengera.
11 Vanosunga vanga ravanhu vangu
sokunge duku duku.
Vanoti, “Rugare, rugare,”
ipo pasina rugare.
12 Ko, vanonyadziswa netsika dzavo dzinonyangadza here?
Kwete, havana kana nyadzi zvachose;
havambozivi kuti zvinonyadzisa sei.
Saka vachawa pakati pavakawa;
vachaderedzwa pavacharangwa,
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
13 “ ‘Ndichavatorera zvavakakohwa,
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Hapangazovi namazambiringa pamuzambiringa.
Hakungazovi namaonde pamuti womuonde,
uye mashizha azvo achaoma.
Zvandakavapa
vachazvitorerwa.’ ”
 
14 “Ko, takagarireiko pano?
Unganai pamwe chete!
Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa
tindofira ikoko!
Nokuti Jehovha Mwari wedu atitongera kufa,
nokuti akatipa mvura ino muchetura kuti tinwe,
nokuti takamutadzira.
15 Takanga takatarisira rugare
asi hakuna chakanaka chakauya;
takatarisira kuporeswa
asi paingova nokuvhundutswa.
16 Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi
kunonzwika kuchibva kuDhani;
panorira makono awo
nyika yose inodedera.
Auya kuzoparadza
nyika nezvose zviri mairi,
guta navose vanogara imomo.”
 
17 “Tarirai ndichatumira nyoka dzino uturu pakati penyu,
mvumbi dzicharamba kuimbirwa,
uye dzichakurumai,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
 
18 Haiwa, Munyaradzi wangu, pakuchema kwangu,
mwoyo wangu woziya mukati mangu.
19 Inzwai kuchema kwavanhu vangu
kunobva kunyika iri kure kure:
“Ko, Jehovha haazi muZioni here?
Mambo waro haachimo here?”
 
“Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo,
nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
 
20 “Kucheka kwapfuura,
zhizha rapera,
asi tigere kuponeswa.”
 
21 Sezvo vanhu vangu vapwanyiwa, neniwo ndapwanyiwa;
ndiri kuchema, uye ndiri kutya zvikuru.
22 Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here?
Hakuna murapi ikoko here?
Seiko zvino ronda
ravanhu vangu risina kurapwa?