19
Mugove waSimeoni
Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha. Nhaka yavo yaisanganisira:
Bheerishebha (kana kuti Shebha), Moradha, Hazari Shuari, Bhara, Ezemi, Eritoradhi, Bheturi, Homa, Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa, Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;
Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo, nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).
Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri. Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakakura kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.
Mugove waZebhuruni
10 Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, mhuri nemhuri:
Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi. 11 Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurukova rwuri pedyo neJokineami. 12 Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJafia. 13 Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea. 14 Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri. 15 Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pane maguta gumi namaviri nemisha yawo.
16 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, mhuri nemhuri.
Mugove waIsakari
17 Mugove wechina wakapiwa Isakari, mhuri nemhuri. 18 Nyika yavo yaisanganisira:
Jezireeri, Kesuroti, Shunami, 19 Hafaraimi, Shioni, Anaharati, 20 Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, 21 Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi. 22 Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
23 Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, mhuri nemhuri.
Mugove waAsheri
24 Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, mhuri nemhuri. 25 Nyika yavo yaisanganisira:
Herikati, Hari, Bheteni, Akishafi, 26 Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati. 27 Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Dhagoni, ugobata Zebhuruni noMupata weIfita Eri, uye ugonanga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuura Kabhuri iri nechokuruboshwe. 28 Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru. 29 Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi, 30 Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pane maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo.
31 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, mhuri nemhuri.
Mugove waNafutari
32 Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, mhuri nemhuri:
33 Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani. 34 Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva. 35 Maguta akanga ane masvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti, 36 Adhama, Rama, Hazori, 37 Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori, 38 Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.
39 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, mhuri nemhuri.
Mugove waDhani
40 Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, mhuri nemhuri. 41 Nyika yenhaka yavo yaisanganisira:
Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi, 42 Shaarabhini, Aijaroni, Itira, 43 Eroni, Timuna, Ekironi, 44 Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati, 45 Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni, 46 Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.
47 (Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)
48 Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, mhuri nemhuri.
Mugove waJoshua
49 Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo, 50 sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.
 
51 Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.