2
Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni
negore rokutsamwa kwake!
Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri,
kubva kudenga kusvika panyika;
haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake
muzuva rokutsamwa kwake.
 
Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho
akasavanzwira tsitsi;
mukutsamwa kwake akakoromorera pasi
nhare dzoMwanasikana weJudha.
Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo
mukunyadziswa.
 
Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura
nyanga dzose dzaIsraeri.
Akadzosa ruoko rwake rworudyi
pakasvika muvengi.
Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto
unoparadza zvose zviri kumativi ose.
 
Akawembura uta hwake somuvengi;
ruoko rwake rworudyi rwagadzirira.
Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona;
akadurura hasha dzake semoto
patende roMwanasikana weZioni.
 
Ishe akafanana nomuvengi;
akamedza Israeri.
Akamedza mizinda yake yose
uye akaparadza mhare dzake.
Akawedzera kuungudza nokuchema
kwoMwanasikana weJudha.
 
Akaparadza ugaro hwake sebindu;
akaparadza nzvimbo yake yokusanganira.
Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe
mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro;
mukutsamwa kwake kunotyisa,
akaramba vose mambo nomuprista.
 
Ishe akaramba aritari yake
uye akasiya nzvimbo yake tsvene.
Akaisa mumaoko omuvengi
masvingo emizinda yake;
vakaita ruzha mumba maJehovha
sapazuva romutambo wakatarwa.
 
Jehovha akafunga kuparadza
rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni.
Akatambanudza rwodzi rwokuyera
uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza.
Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze;
zvose zvakaparara pamwe chete.
 
Masuo aro anyura muvhu,
akavhuna mazariro aro ndokuaparadza.
Mambo waro namachinda aro vakaenda kuutapwa pakati pendudzi,
murayiro hapachina,
uye vaprofita varo havachawanizve
zviratidzo zvinobva kuna Jehovha.
 
10 Vakuru voMwanasikana weZioni
vagere pasi vanyerere;
vamwaya guruva pamisoro yavo
ndokupfeka masaga.
Vakadzi vechidiki veJerusarema
vakotamisa misoro yavo pasi.
 
11 Meso angu aneta nokuchema,
ndiri kurwadziwa mukati mangu,
mwoyo wangu wadururirwa pasi
nokuti vanhu vangu vaparadzwa,
nokuti vana navacheche voziya
munzira dzomuguta.
 
12 Vanoti kuna vanamai vavo,
“Zvokudya newaini zviripiko?”
pavanoziya somurume akuvadzwa
munzira dzomuguta,
panodururwa upenyu hwavo.
Mumaoko avanamai vavo.
 
13 Ndingareveiko pamusoro pako?
Ndingakuenzanisa neiko,
iwe Mwanasikana weJerusarema?
Ndingakufananidze neiko,
kuti zvimwe ndikunyaradze,
iwe Mhandara Mwanasikana weZioni?
Vanga rako rakadzika segungwa.
Ndianiko achakuporesa?
 
14 Zviratidzo zvavaprofita vako
zvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo;
havana kubudisa zvivi zvako pachena
kuti vabvise kutapwa kwako,
zvirevo zvavakakupa
zvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa.
 
15 Vose vanopfuura nepauri
vacharova maoko vachikuseka;
vanoseka uye vanodzungudza misoro yavo
pamusoro peMhandara yeJerusarema vachiti:
“Ko, ndiro here guta rainzi
kukwana kworunako,
mufaro wenyika yose?”
 
16 Vavengi vako vose vanoshama miromo yavo
pamusoro pako;
vanoseka uye vanorumanya meno avo
vachiti, “Tarimedza.
Iri ndiro zuva ratanga takamirira;
takararama kuti tirione.”
 
17 Jehovha aita zvaakaronga;
azadzisa shoko rake,
raakatema kare.
Akakukoromora asina tsitsi,
akarega muvengi achifara pamusoro pako,
akasimudza runyanga rwavavengi vako.
 
18 Mwoyo yavanhu
inodana kuna She.
Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni,
rega misodzi yako iyerere sorwizi
masikati nousiku;
usazvipa zororo,
meso ako asazorora.
 
19 Simuka, danidzira usiku,
panotanga varindi vousiku;
durura mwoyo wako semvura
pamberi paShe.
Simudzira maoko ako kwaari
nokuda kwoupenyu hwavana vako,
vanoziya nenzara
pamavambo enzira dzose.
 
20 “Tarirai, imi Jehovha, murangarire kuti:
Ndiani wamakamboitira zvakadai?
Ko, vakadzi vanofanira kudya vana vavo,
ivo vana vavakarera here?
Ko, vaprista navaprofita vangaurayirwa
munzvimbo tsvene yaShe here?
 
21 “Majaya navatana vavata pamwe chete
muguruva romunzira;
majaya angu navarandakadzi vangu
vaurayiwa nomunondo.
Makavauraya pazuva rokutsamwa kwenyu;
makavabaya musina tsitsi.
 
22 “Sokukokera kwamunoita zuva romutambo,
saizvozvo makandikokera kutyisa kumativi ose.
Pazuva rokutsamwa kwaJehovha
hakuna akapunyuka kana kurarama;
vaya vandakachengeta uye ndikarera,
vaparadzwa navavengi vangu.”