MIKA
1
Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.
Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose,
teerera, iwe nyika navose vari mauri,
kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva,
Jehovha ari mutemberi yake tsvene.
Kutongwa kweSamaria neJerusarema
Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara:
anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
Makomo achanyongodeka pasi pake
uye mipata ichapamuka,
senamo pamoto,
semvura inoyerera pamawere.
Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho,
nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.
Kudarika kwaJakobho ndokweiko?
Hakuzi Samaria here?
Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko?
Haizi Jerusarema here?
 
“Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe,
nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.
Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu;
zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto;
ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose.
Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve,
semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
Kuchema noKuungudza
Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza;
ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka.
Ndichaungudza segava
uye ndichachema sezizi.
Nokuti ronda rake harirapiki;
rasvika kuna Judha.
Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo,
kunyange kuJerusarema chaiko.
10 Musazvireva paGati;
musambochema.
MuBheti Ofira
umburukai muguruva.
11 Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara,
imi munogara muShafiri.
Avo vanogara muZaanani
havangabudi kunze.
Bheti Ezeri riri mukuchema;
kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
12 Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru
vakamirira kudzikinurwa,
nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha,
kunyange pasuo reJerusarema.
13 Imi vanogara muRakishi,
sungai mabhiza enyu pangoro.
Ndimi makava mavambo echivi
kuMwanasikana weZioni,
Nokuti kudarika kwaIsraeri
kwakawanikwa mamuri.
14 Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana
kuna Moresheti Gati.
Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri
kumadzimambo aIsraeri.
15 Ndichauyisa mukundi
kwauri iwe unogara muMaresha.
Iye anova kubwinya kwaIsraeri
achauya kuAdhuramu.
16 Veurai misoro yenyu mukuchema
nokuda kwavana vamunofarira;
zviitei musvuu sowegora,
nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.