5
Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema
Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,
nokuti takombwa nomuvengi.
Vacharova mutongi waIsraeri
netsvimbo padama.
“Asi iwe, Bheterehema Efurata,
kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,
kwauri kuchandibudira mumwe
achava mutongi pamusoro peIsraeri,
mavambo ake ndeakare kare,
kubva pamazuva akare kare.”
 
Naizvozvo Israeri achasiyiwa
kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara
uye hama dzake dzose
dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.
 
Achamira agofudza boka rake
musimba raJehovha,
muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.
Uye vachagara norugare,
nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.
Uye iye achava rugare rwavo.
Kudzikinurwa noKuparadzwa
MuAsiria paacharwisa nyika yedu
agofamba achipfuura nomunhare dzedu,
tichamumutsira vafudzi vanomwe
kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.
Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,
nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.
Achatirwira kubva kumuAsiria
paachapinda munyika yedu
nokupinda pamiganhu yedu.
 
Vakasara vaJakobho vachava
pakati pamarudzi akawanda,
sedova rinobva kuna Jehovha,
sokunaya kwemvura pauswa,
zvisingamiriri munhu
kana kugaririra vanhu.
Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,
pakati poruzhinji rwamarudzi,
seshumba pakati pezvikara zvesango,
seshumba duku pakati pamapoka amakwai,
inotsika uye inobvambura ichienda,
pasina anogona kununura.
Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda
uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.
10 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu
uye ndichapwanya ngoro dzenyu.
11 Ndichaparadza maguta enyika yenyu
uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.
12 Ndichaparadza uroyi hwako
uye hauchazovizve navavuki.
13 Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu
zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;
hamuchazokotamiri
kubasa ramaoko enyu.
14 Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera
uye ndichaparadza maguta enyu.
15 Ndichatsiva nokutsamwa nehasha
kundudzi dzisina kunditeerera.”