MATEO
1
Nhoroondo yaMadzitateguru aJesu
Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:
 
Abhurahama aiva baba vaIsaka,
Isaka baba vaJakobho,
Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake,
Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari,
Perezi baba vaHezironi,
Hezironi baba vaRamu,
Ramu baba vaAminadhabhu,
Aminadhabhu baba vaNashoni,
Nashoni baba vaSarimoni,
Sarimoni baba vaBhoazi, mai vake vari Rahabhi,
Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute,
Obhedhi baba vaJese,
naJese baba vamambo Dhavhidhi.
 
Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria,
Soromoni baba vaRehobhoamu,
Rehobhoamu baba vaAbhija,
Abhija baba vaAsa,
Asa baba vaJehoshafati,
Jehoshafati baba vaJoramu,
Joramu baba vaUzia,
Uzia baba vaJotamu,
Jotamu baba vaAhazi,
Ahazi baba vaHezekia.
10 Hezekia baba vaManase,
Manase baba vaAmoni,
Amoni baba vaJosia,
11 naJosia baba vaJekonia navanunʼuna vake panguva yavaiva kuutapwa muBhabhironi.
 
12 Vabva kuutapwa kuBhabhironi:
Jekonia aiva baba vaShearitieri,
Shearitieri baba vaZerubhabheri,
13 Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,
Abhiudhi baba vaEriakimu,
Eriakimu baba vaAzori.
14 Azori baba vaZadhoki,
Zadhoki baba vaAkimu,
Akimu baba vaEriudhi,
15 Eriudhi baba vaEreazari,
Ereazari baba vaMatani,
Matani baba vaJakobho.
16 Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.
 
17 Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.
Kuberekwa kwaJesu Kristu
18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene. 19 Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.
20 Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene. 21 Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”
22 Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza nomuprofita wake zvokuti: 23 “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”
24 Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake, 25 asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.