10
Jesu Anotuma Vane Gumi Navaviri
Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.
 
Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri:
 
wokutanga ndiSimoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea;
Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani;
Firipi naBhatoromeo;
Tomasi naMateo muteresi;
Jakobho mwanakomana waArifeasi naTadheo;
Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.
 
Jesu akatuma gumi navaviri ava, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yeveDzimwe Ndudzi kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria. Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; 10 musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.
11 “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. 12 Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. 13 Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. 14 Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo. 15 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvichava nani kuSodhomu neGomora pazuva rokutongwa pane zvichaitwa kuguta iroro. 16 Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.
17 “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. 18 Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi. 19 Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, 20 nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.
21 “Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. 22 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa. 23 Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
24 “Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. 25 Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!
26 “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. 27 Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. 28 Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. 29 Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. 30 Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. 31 Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
32 “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. 33 Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34 “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. 35 Ndakauya kuti:
“ ‘mwanakomana apesane nababa vake,
mwanasikana apesane namai vake,
muroora apesane navamwene vake,
36 vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’
37 “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. 38 Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. 39 Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
40 “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. 41 Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. 42 Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”