OBHADHIA
1
Zvakaratidzwa Obhadhia.
Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu:
Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti:
Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti,
“Simukai, tiende tindorwa hondo naye.”
 
“Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi;
muchamhurwa zvachose.
Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai,
iyemi mugere mumikaha yamatombo
muchiita kwakakwirira misha yenyu,
imi munoti mumwoyo yenyu,
‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’
Kunyange mukabhururuka segondo
mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi,
kubva ipapo ndichakukandai pasi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Kana mbavha dzikauya kwamuri,
kana makororo usiku,
haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko?
Havazoba kusvikira pavanoda here?
Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri,
ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?
Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu,
pfuma yake yakavigwa ichatorwa!
Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu;
shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda;
vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo,
asi haungazvizivi.
 
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu,
varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?
Mhare dzako, iwe Temani,
dzichavhunduka,
uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.
10 Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho,
uchafukidzwa nenyadzi;
uchaparadzwa nokusingaperi.
11 Zuva iro rawakamira kure,
vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo,
uye vabvakure vakapinda mumasuo ake,
vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema,
iwe wakaita somumwe wavo.
12 Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi,
pazuva rokushayiwa kwake,
kana kufara pamusoro pavanhu veJudha,
pazuva rokuparadzwa kwavo,
kana kuzvikudza zvakanyanya
pazuva rokutambudzika kwavo.
13 Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu,
pazuva renjodzi yavo,
kana kuvatarisira pasi vava munjodzi,
pazuva renjodzi yavo,
kana kuvatorera pfuma yavo
pazuva renhamo yavo.
14 Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira,
kuti muuraye vanotiza vavo,
kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo,
pazuva rokutambudzika kwavo.
 
15 “Zuva raJehovha rava pedyo
kundudzi dzose.
Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri;
mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.
16 Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene,
saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa;
dzichanwa nokunwa dzikaita
sedzisina kumbovapo.
17 Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa;
richava dzvene,
uye imba yaJakobho
ichadzoserwa nhaka yayo.
18 Imba yaJakobho ichava moto,
uye imba yaJosefa murazvo womoto;
imba yaEsau ichava mashanga,
uye vachaipisa nomoto vagoipedza.
Hakuzovi navanopona
muimba yaEsau.”
Jehovha ataura izvozvo.
 
19 Vanhu vanobva kuNegevhi
vachagara mumakomo aEsau,
uye vanhu vanobva mujinga mezvikomo
vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo.
Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria,
kuti zvive zvavo, uye Bhenjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
20 Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani
ichatora nyika kusvikira kuZarefati;
vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi
vachatora maguta eNegevhi.
21 Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni,
kuti vandotonga makomo aEsau.
Uye ushe huchava hwaJehovha.