15
Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,
asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo,
asi muromo webenzi unodurura upenzi.
 
Meso aJehovha ari pose pose,
achicherechedza vakaipa navakanaka.
 
Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu,
asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.
 
Benzi rinoramba kurayira kwababa varo,
asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.
 
Imba yowakarurama ine pfuma zhinji,
asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.
 
Miromo yavakachenjera inokusha zivo;
asi mwoyo yamapenzi haidaro.
 
Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa,
asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza.
 
Jehovha anovenga nzira yeakaipa,
asi anoda vaya vanotevera kururama.
 
10 Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira;
uyo anovenga kudzorwa achafa.
 
11 Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha,
ko, kuzoti mwoyo yavanhu!
 
12 Mudadi anovenga kudzorwa;
haangabvunzi vakachenjera.
 
13 Mwoyo wakafara, unofadza chiso,
asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.
 
14 Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo,
asi muromo webenzi unodya upenzi.
 
15 Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa,
asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.
 
16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha,
pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.
 
17 Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo,
pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.
 
18 Munhu ane hasha anomutsa bopoto,
asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.
 
19 Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa,
asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.
 
20 Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro,
asi munhu benzi anozvidza mai vake.
 
21 Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere,
asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.
 
22 Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano,
asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
 
23 Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka,
uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!
 
24 Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro,
ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.
 
25 Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza,
asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.
 
26 Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa,
asi dzavakachena dzinomufadza.
 
27 Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake,
asi anovenga fufuro achararama.
 
28 Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo,
asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.
 
29 Jehovha ari kure neakaipa,
asi anonzwa munyengetero weakarurama.
 
30 Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo,
uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.
 
31 Uyo anoteerera kutsiura
kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.
 
32 Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake,
asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.
 
33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,
uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.