17
Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo
pane imba izere namabiko, ine kupesana.
Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa,
uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.
 
Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe,
asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.
 
Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa;
murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.
 
Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo,
ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.
 
Vana vevana ikorona kune vakwegura,
uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
 
Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi,
zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!
 
Fufuro inofadza uyo anoipa;
kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.
 
Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo,
asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.
 
10 Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere
kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.
 
11 Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete;
nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.
 
12 Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho
pane benzi muupenzi hwaro.
 
13 Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa
zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.
 
14 Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu;
saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.
 
15 Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka,
Jehovha anozvivenga zvose.
 
16 Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi,
sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?
 
17 Shamwari inoda panguva dzose,
uye hama yakaberekerwa kupikisana.
 
18 Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko,
uye anoitira muvakidzani wake rubatso.
 
19 Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi;
uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.
 
20 Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri;
uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.
 
21 Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa;
baba vebenzi havana mufaro.
 
22 Mwoyo wakafara mushonga wakanaka,
asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.
 
23 Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande,
kuti aminamise nzira dzokururamisira.
 
24 Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi,
asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.
 
25 Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake,
uye anoitisa shungu uyo akamubereka.
 
26 Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva,
kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.
 
27 Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora,
uye munhu anonzwisisa akadzikama.
 
28 Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera,
uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.