23
Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati,
nyatsocherechedza zviri pamberi pako,
uise banga pahuro
kana uri munhu wamadyo.
Usapanga zvokudya zvake zvinonaka
nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera.
Usazvionza nokuda kuwana pfuma;
iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.
Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda,
nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro
igobhururuka ichienda kudenga segondo.
 
Usadya zvokudya zvomunhu anonyima,
kana kupanga zvokudya zvake zvinonaka;
nokuti munhu uya anongofunga chete mutengo wazvo.
Anoti kwauri, “Idya ugonwa,” asi mumwoyo make asingadi.
Ucharutsa zvishoma izvozvo zvawadya,
uye unenge watambisa mashoko ako nokumutenda.
 
Usataura nebenzi,
nokuti richashora uchenjeri hwamashoko ako.
 
10 Usabvisa dombo romuganhu wakare
kana kupinda paminda yenherera,
11 nokuti Mudziviriri wavo ane simba;
iye achavarwira pamhaka yavo newe.
 
12 Isa mwoyo wako kumurayiro
nenzeve dzako kumashoko ezivo.
 
13 Usarega kuranga mwana;
ukamuranga neshamhu, haafi.
14 Murange neshamhu
ugoponesa mweya wake kubva parufu.
 
15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wakachenjera,
ipapo mwoyo wangu uchafara;
16 mukatikati mangu muchapembera
kana miromo yako ichitaura zvakarurama.
 
17 Usarega mwoyo wako uchichiva vatadzi,
asi nguva dzose shingairira kutya Jehovha.
18 Zvirokwazvo ramangwana rako rine tariro,
uye tariro yako haingaparadzwi.
 
19 Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri,
uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama.
20 Usabatana navaya vanonwa waini zhinji,
kunyange vaya vanokara nyama,
21 nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo,
uye hope dzichavapfekedza mamvemve.
 
22 Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,
uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.
23 Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa;
uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.
24 Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;
uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.
25 Baba vako namai vako ngavafare;
mai vakakubereka ngavafare kwazvo!
 
26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako
uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu,
27 nokuti chifeve igomba rakadzika,
uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana.
28 Segororo anohwandira,
anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume.
 
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa?
Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta?
Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?
30 Vaya vanogara pawaini,
vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa.
31 Usatarisa waini kana yatsvuka,
kana ichivaima iri mumukombe,
kana ichidzika zvakanaka pakunwa!
32 Pakupedzisira inoruma senyoka
uye ine uturu semvumbi.
33 Meso ako achaona zvisakamboonekwa
uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana.
34 Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa,
kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe.
35 Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara!
Vakandirova asi handina kuzvinzwa!
Ndichamuka rinhiko
kuti ndigotsvakazve waini?”