29
Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa
kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara;
asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
 
Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake,
asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
 
Nokururamisira mambo anosimbisa nyika,
asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
 
Ani naani anonyengera muvakidzani wake
anodzikira tsoka dzake mumbure.
 
Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake,
asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
 
Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo,
asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
 
Vatuki vanomutsa bope muguta,
asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
 
Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi,
benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
 
10 Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama,
uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
 
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose,
asi munhu akachenjera anozvibata.
 
12 Kana mutongi akateerera nhema
machinda ake ose achava akaipa.
 
13 Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi:
Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
 
14 Kana mambo akatonga varombo nokururamisira,
chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
 
15 Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,
asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
 
16 Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo,
asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
 
17 Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare;
achauyisa mufaro kumweya wako.
 
18 Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora;
asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
 
19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete,
nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
 
20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza?
Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
 
21 Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki,
achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
 
22 Munhu akashatirwa anomutsa kupesana,
uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
 
23 Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi,
asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
 
24 Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake;
anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
 
25 Kutya munhu kuchava musungo,
asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
 
26 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,
asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
 
27 Vakarurama vanovenga vasina kutendeka;
vakaipa vanovenga vakarurama.