9
Kukoka kwoUchenjeri nekwoUpenzi
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo;
hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo;
hwakagadzirawo tafura yahwo.
Hwakatuma varandakadzi vahwo,
uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti,
“Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
Uyai, mudye zvokudya zvangu
munwe waini yandagadzira.
Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama;
fambai munzira yokunzwisisa.
 
“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa;
ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga;
tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake;
dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
 
10 “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,
uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
11 Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji,
uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
12 Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro;
kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
 
13 Mukadzi benzi ane ruzha;
haana kudzikama uye haana zivo.
14 Anogara pamusuo wemba yake,
napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
15 achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo,
vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
16 Anoti kuna vaya vasina njere,
“Vose vasina mano ngavauye muno!
17 Mvura yakabiwa inozipa;
zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
18 Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa,
uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva.