Pisarema 106
Rumbidzai Jehovha.
 
Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba,
kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?
Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira,
vanogara vachiita zvakarurama.
Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu,
pamunovaponesa, mundibatsirewo,
kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu,
kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu,
uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.
 
Takatadza, sezvakaita madzibaba edu;
takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.
Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti,
havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu;
havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji,
asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.
Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake,
kuti simba rake guru rizivikanwe.
Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa;
uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.
10 Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi;
akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.
11 Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo;
hakuna mumwe wavo akapona.
12 Ipapo vakatenda vimbiso dzake
vakaimba vachimurumbidza.
 
13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita,
uye vakasamirira kurayira kwake.
14 Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga;
vakaedza Mwari murenje.
15 Saka akavapa zvavakakumbira,
asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo.
 
16 Vakaitira Mozisi godo mumusasa,
naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.
17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani;
ikaviga boka raAbhiramu.
18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo;
murazvo ukaparadza vakaipa.
 
19 Vakaumba mhuru paHorebhi,
vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
20 Vakatsinhanisa kubwinya kwavo
nomufananidzo wehando, inodya uswa.
21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa,
uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu
namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23 Saka akati, achavaparadza,
dai Mozisi, musanangurwa wake,
asina kumira pamberi pake kuti
adzore hasha dzake pakuvaparadza.
 
24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza;
havana kutenda zvaakavimbisa.
25 Vakanyunyuta vari mumatende
avo vakasateerera Jehovha.
26 Saka akapika akasimudza ruoko rwake
kuti achavaparadza murenje,
27 achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi,
agovaparadzira munyika dzose.
 
28 Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori,
uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
29 Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa,
uye denda rikavapo pakati pavo.
30 Asi Finehasi akasimuka,
akaita zvakarurama, denda rikaguma.
31 Izvozvo zvakanzi kwaari kururama
kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi.
 
32 Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha,
uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33 nokuti vakamukira Mweya waMwari,
Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
 
34 Havana kuparadza marudzi
sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35 asi vakavhengana nendudzi,
vakatora tsika dzavo.
36 Vakanamata zvifananidzo zvavo,
izvo zvakazova musungo kwavari.
37 Vakabayira vanakomana vavo
navanasikana vavo kumadhimoni.
38 Vakateura ropa risina mhosva,
iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo,
vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani,
nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39 Vakazvisvibisa nezvavakaita;
vakazviitisa ufeve namabasa avo.
 
40 Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake,
akasema nhaka yake.
41 Akavaisa mumaoko endudzi,
uye vakatongwa navavengi vavo.
42 Vavengi vavo vakavadzvinyirira,
uye vakavaisa pasi pesimba ravo.
43 Akavarwira kakawanda,
asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira
vakaparadzwa muchivi chavo.
 
44 Asi akatarisa kutambudzika kwavo
paakanzwa kuchema kwavo;
45 akarangarira sungano yake nokuda kwavo,
uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.
46 Akaita kuti vanzwirwe
tsitsi navose vakavatapa.
 
47 Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu,
uye mutiunganidze kubva kundudzi,
kuti tigovonga zita renyu dzvene.
Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.
 
 
48 Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri,
kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.
Vanhu vose ngavati, “Ameni!”
 
Rumbidzai Jehovha.