Pisarema 108
Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi.
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi;
ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.
Muka iwe mutengeranwa nembira!
Ndichamutsa mambakwedza.
Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi.
Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
Nokuti rudo rwenyu rukuru,
kupfuura kudenga denga;
Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga,
uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
 
Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi,
kuti vamunoda varwirwe.
Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti,
“Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu,
uye ndigoyera Mupata weSukoti.
Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu;
Efuremu inguwani yangu,
Judha itsvimbo yangu.
Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera,
pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu;
pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”
 
10 Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo?
Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?
11 Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba
uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?
12 Tibatsirei pamuvengi wedu,
nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.
13 Tichapiwa kukunda naMwari,
uye achatsika-tsika vavengi vedu.