Pisarema 111
Rumbidzai Jehovha.
 
Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,
padare ravakarurama nepagungano.
 
Mabasa aJehovha makuru;
anorangarirwa navose vanofara maari.
Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,
uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;
Jehovha ane nyasha nengoni.
Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;
anorangarira sungano yake nokusingaperi.
Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,
achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,
mitemo yake yose yakavimbika.
Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,
yakaitwa mukutendeka nokururama.
Akapa dzikinuro kuvanhu vake;
akasimbisa sungano yake nokusingaperi,
zita rake idzvene uye rinotyisa.
 
10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;
vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.
Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.