Pisarema 12
Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;
vakatendeka vapera pakati pavanhu.
Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;
miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
 
Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,
norurimi rumwe norumwe runozvikudza
ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;
miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
 
“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba
nokugomera kwavarombo,
ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,
sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,
yakanatswa kanomwe.
 
Imi Jehovha, muchatichengeta murugare
uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka
kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.